Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai, VaMugabe naVaMutambara Vanotadzazve Kuwirirana


Hurukuro pakati peMDC neZanu-PF dzapinda muzuva repiri neChitatu, mapato aya achinetsana panyaya yemapazi ehurumende. Vaimbova mutungamiri weSouth Africa,
VaThabo Mbeki, ndivo vari kuyedza kuyananisa mapato maviri aya.

Asi vachitaura nevatori venhau mukupera kwezuva mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, avo vakamirira kugadzwa kuva mutungamiri wehurumende, vati hapana chabuda munhaurirano dzeChitatu, uye vari kutarisira kuenderera mberi nehurukuro idzi neChina.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti mapazi ari kunetsa ndere zvemari uye kuchengetedzwa kwemukati menyika.

Zanu-PF iri kuramba kupa MDC mapazi akakosha aya, ukuwo MDC ichiti ikasapihwa mapazi aya, panenge pasina kuti vagovana masimba.

Mashoko eMDC aya atsigirwawo nehurumende yeAmerica, iyo inoti VaMugabe vari kutyora chibvumirano ichi nekukambira mapazi ehurumende akakosha.

Mutauriri webazi rinoona nezve kunze kweAmerica, VaSean McCormack, vanoti hurumende yavo haisi kufara nemamiriro akaita zvinhu munhaurirano dzeMDC neZanu PF.

VaBrigs Bomba vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari Associate Director musangano reAfrica Action. VaBomba vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaMugabe vanoda bazi rezvekuchengetedzwa kwemukati menyika sezvo vachida kudzvinyiyira vanhu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG