Accessibility links

Breaking News

VaZuma Vokumbirwa Kuti Vapindire Mune Zviri Kunetsa muZimbabwe


Sangano revechidiki vekuZimbabwe vari muSouth Africa rasvitsa gwaro renyunyuto pamusoro pezviri kuitika munhaurirano dzemuZimbabwe, kumutungamiri weA-N-C, VaJacob Zuma, pamwe nebato ravo. Sangano reRevolutionary Youth Movement of Zimbabwe ratambidza gwaro iri kumunyori mukuru weA-N-C, VaGwede Mantashe, sezvo VaZuma vanzi vari kunze kwenyika.

Sangano iri rinoti riri kuda kuti VaZuma pamwe neA-N-C vapindire pakugadzirisa gakava riri pakati pemapato ezvematongerwo enyika muZimbabwe, iro ramisa kuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa.

Pari zvino mutongi gava panyaya iyi ndiVaThabo Mbeki, avo vakabviswa pachigaro chemutungamiri wenyika nebato ravo reANC.

Masvondo matatu apfuura, Revolutionary Youth Movement of Zimbabwe yakaendesawo gwaro renyunyuto kumahofisi emutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe, richidawo zvakare kuti vatore matanho sasachigaro weSADC pagakava riri muZimbabwe.

Mutungamiri weRevolutionary Youth Movement of Zimbabwe, VaSimon Mudekwa, vaudza Jonga Kandemiiri veStudio 7 kuti vanofunga kuti VaZuma vane masimba ekumanikidza SADC neAfrican Union kuti vatorere VaMugabe matanho panyaya yegakava iri.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG