Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzokurudzira Vana Chiremba Kuti Vakurumidze Kurapa Vane HIV/AIDS


Ongororo yakaitwa nenyanzvi munyaya dzeHIV/AIDSs inoratidza kuti vanhu vanenge vaonekwa kuti vane hutachiwana hweHIV, vanofanirwa kukurumidza kutanga kupihwa mushonga wekurwisana neHIV.

Ongororo iyi inoratidza kuti kunononoka kutanga kupihwa mushonga uyu, kunoita kuti masoja emuviri akundikane kurwisana nehutachiwana, izvo zvinoita kuti vanhu vakurumidze kurwara.

Director veNational Institutes of Allergy and Infectious Diseases, Dr Anthony Fauci , avo vakabatsira muongororo iyi, vanoti ongororo iyi inoita kuti vana chiremba vose vashandure marapiro avo evanhu vane HIV. Asi hurumende yeZimbabwe haisati yatambira kurudziro iyi, sezvo ichiti vanhu vane CD4-counts dziri pasi pe mazana maviri chete, ndivo vanofanirwa kunge vari pamushonga.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende paongororo iyi. Mai Loice Chingandu ndivo Director veSAFAIDS.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naMai Chingandu avo vanoti vane utachiwana hweHIV-vose vanofanirwa kuiswa pachirongwa chekuwana ma ARV, zvisinei nekuti hutachiwana hwakaderera sei munyika. Asi Mai Chingandu varatidza kushushikana nekuti hurumende inenge isina hurongwa hwekuita izvi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG