Accessibility links

Breaking News

Varimi Vazhinji Vari Kutadza Kutenga Mbeu neFotereza


Varimi vazhinji vanonzi vapererwa nemazano nepamusana pekushaya zvinodiwa pakurima, zvakaita sembeu nefotereza. Zvitoro zvaisimbotengesera varimi mbeu nefotereza zvinonzi zvava kutengesa zvinhu izvi nemari yekunze, izvo zvava kuita kuti varimi vazhinji vatadze kuzvitenga, sezvo vasina mari yekunze iyi.

Muongororo yaitwa neStudio7, 10kg yembeu yechibage iri kuwanikwa nemutengo unoita US$40.00, kotiwo fotereza ichiita US$60.00 patsaga, zvisineyi kuti ndeye pamusoro here kana kuti yepasi.

Svondo rapera, hurumende yakabvumidza varimi vanokwanisa kutenga zvekurimisa izvi kunze kwenyika kuti vatenge, vasingabhadhariswi mutero.

Bhanga guru renyika rinonziwo rakaparurawo chirongwa chinonzi “Champion Farmer”, icho chinonzi chichabatsira varimi vane mukurumbira wekurima nechakare.

VaRoger Mpande inyanzvi munyaya dzezvekurima. VaMpande vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti matambudziko ose akatarisana nevarimi ari kukonzerwa nekutadza kuronga kwehurumende, iyo isina kugadzirira zvakanaka.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG