Accessibility links

Breaking News

VaObama naVaMcCain Vokweshana neChipiri Musarudzo yeMutungamiri we America


Nyika dzepasi rose dzakaisa maziso adzo pane zviri kuitika muAmerica mugadziriro yesarudzo yekutsvaga mutungamiri wenyika, iyo ichaitwa nemusi weChipiri. Vari kukwikwidzana musarudzo iyi, ndiVa John McCain, veRepublican Party, pamwe naVaBarack Obama, veDemocratic Party.

Ongororo dziri kubuda mumativi mana eAmerica, dzinoratidza kuti VaObama vari kutungamira musarudzo ichaitwa neChipiri

Ukuwo veruzhinji muZimbabwe vari kutarisira kuti munhu wechitema wekutanga kukwikwidza musarudzo yemutungamiri weAmerica, VaObama, vakundei.

VaErnerst Mudzengi inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari National Director ve NCA. Brenda Moyo weStudio7 aita hurukuro naVaMudzengi kuti tinzwe maonero avo pane zviri kubva kuAmerica.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...



XS
SM
MD
LG