Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoramba Kutambira Chisungo cheSADC


Vatungamiri venyika dzemuSADC vakakundikana neSvondo kugadzirisa gakava riri pakati paVaMugabe naVaTsvangirai, kunyange hazvo SADC yakabuda nechisungo chekuti muZimbabwe muumbwe nechimbichimbi hurumende yemubatanidzwa.

SADC yakati kuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika, kuburikidza neConstitutional Amendment Number 19, kunofanirwa kuitwa nechimbichimbi kuitira kuti hurumende yemubatanidzwa iumbwe.

Asi mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti havana kufara nechisungo cheSADC nokuti hachiratidzi zvido zveveruzhinji. VaTsvangirai vakati gakava riri muZimbabwe harisi rebazi rezvemukati menyika chete, asi kuti hapana kugovana masimba kwechokwadi kuri kuda kuitwa naVaMugabe.

VaTsvangirai vakatiwo zvinhu zvinoshamisa kuti MDC iri kumanikidzwa neSADC kuti itambire zvinhu zvisina maturo, asi iri iyo yakakunda musarudzo yemuna Kurume. Vakatiwo bato ravo riri kuita tsiye nyoro kutaura nemunhu akarambwa nevanhu, nekudaro havatambiri kurudziro yeSADC iyi.

Ukuwo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vatiwo bato ravo riri kuedza kuumba hurumende yemubatanidzwa, kunyange hazvo pasina kuwirirana neMDC inotungamirwa naVaTsvangirai. VaMugabe vataura neMuvhuro mashoko aya nevatori venhau muHarare. VaMugabe vati vachakoka VaTsvangirai kuti vavape mazita evanhu vavari kuda kuti vave makurukota ehurumende yemubatanidzwa.

Zvichakadaro, bato reMDC rati rinopokana nezvakabuda neSADC zvekuti mapato eZanu-PF neMDC apote achiita madzoro pabazi rezvemukati menyika, uye kusatarisa kwayo zvimwe zviri kupokanwa nemapato maviri aya.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti hutungamiri hwebato ravo huchasangana neChishanu kuti huzeye danho iri, uye kuti voenda mberi sei.

Ukuwo, Ntungamili Nkomo weStudio 7 abatawo mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaBright Matonga, avo vashora VaTsvangirai nekuramba kwavo kutambira chisungo chakabuda neSADC chekuti vaite madzoro pabazi rezvemukati menyika.

Zvichakadaro, VaFarai Maguwu, avo vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari Executive Director veCentre for Research and Development, vaudzawo Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti kukundikana kweSADC kupedza gakava reZimbabwe, chiratidzo chekuti muAfrica hamusati mava nevatungamiri vanokwanisa kumira pachokwadi, vasingatarisi chiso chemunhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG