Accessibility links

Breaking News

Cholera Yotora Hupenyu hweVanhu Vakawanda, Hurumende Yakatarisa


Zvinonzi neChipiri chaive chipatapata kuBudiriro, apo motakari dzaitakura vanhu vainge vafa nechirwere che cholera, dzichiendesa mitumbi yevanhu ava kumochari.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti mitumbi makumi maviri yakatakurwa neChipiri kubva pachipatara chiri kuBudiriro.

Gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vanoti bazi ravo riri kuedza napose parinogona napo kubatsira varwere. VaParirenyatwa vatiwo bazi ravo riri kukoka masangano anokwanisa kubatsira kuti abetsere mudambudziko rechirwere ichi.

Vanhu vanopfuura zana vanonzi vafa nechirwere ichi munyika.

Mutori wedu wenhau, Slyvia Manika, anoti nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti chirwere chemanyoka chinhu chinorapika nyore, izvo zviri kukundikana kuitwa nehurumende.

Dambudziko rekushaikwa kwemvura muguta reHarare, rinonzi rave kukanganisawo mashandiro ematare edzimhosva.

Carole Gombakomba weStudio7 aita hurukuro nasachigaro weZimbabbwe Association of Doctors for Human Rights, Dr Douglas Gwatidzo, kuti tinzwe zvakawanda pamusoro pechirwere ichi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG