Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Zvinokwira Zvakanyanya Mitengo Yazvo Svondo Rino


Mitengo yezvinhu zvizhinji inonzi yakakwira kutanga svondo rino, zvichienzaniswa nesvondo rapera. Zvekudya zvakawanda zvava kutengeswa nemari yekunze, iyo veruzhinji vanoti vari kutadza kuwana.

Kune zvitoro zvichiri kutambira mari yemunyika, zvanzi zviri kutarawo mitengo yezvinhu zvichienzanisa nemutengo wemari yekunze. Semuenzaniso, rofu rechingwa ranga richitengwa nemari inoita $400 000.00, 5kg yeupfu ichiita US$5.00, 2kg sugar ichiita $1 million.
Vemakombi muHarare vanzi vava kubhadharisa vanhu mari dziri pakati pe$150 000.00 ne $200 000.00 kubva pa$50 000.00 svondo rapera.

Munhu ava kukwanisa kutora mari inoita $500 000.00 pazuva kubva kubhanga, iyo inobva yangoperera mukutenga chingwa. Dhora rimwe chete rekuAmerica ranga richitengwa nemari iri pakati pe$4 000 000.00 ne$5 000 000.00 yemari itsva, kwotiwo vari kuita zvekubhena mari vachiwana $5 quadrillion paUS$100.00.

Dzimwe nyanzvi dzeupfumi dzinoti inflation, iyo yava kufungidzirwa kuti yava pa2.79 quintillion percent, ndiyo iri kusunda mitengo yezvinhu zvose izvi.

Asi mumwe mugari wemuHarare, Amai Alice Mutengu, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vezvitoro vava kutora mukana wekunetsa kuri kuita nhaurirano pakati peZanu-PF neMDC kukwidza mitengo yezvinhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG