Accessibility links

Breaking News

Chirwere che Cholera Chopararira Zvinotyisa Hurumende Yakatarisa


Vana chiremba vemuzvipatara zvehurumende vanoti kunyange hazvo chirwere che cholera chiri kupararira zvakanyanya, hurumende hasi kuda kubuda pachena nehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi.

Vamwe vana chiremba vataura neStudio 7 vanoti rimwe dambudziko riripo, nderekuti ropa revanhu vari kuunzwa kuzvipatara, harisi kuvenekwa zvakakwana, kuti zvionekwe kuti vane cholera here kana kuti zvimwe zvirwerwe zvemanyoka.Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vanhu vafa nechirwere ichi vanopfuura mazana maviri.

Vana chiremba ava vanoti nemamiriro akaita zvinhu munyika panyaya yekushaikwa kwemvura yakachena, zviri kuvaita kuti vafungidzire kuti dambudziko guru ndere cholera.

Mashoko anoti kuBeitbridge kune vanhu vanosvika mazana mana vakaiswa pavo voga nekuda kwechirwere ichi.

Sangano reCombined Harare Residents Association, rinoti harisi kufara nenyaya iyi, sezvo nzvimbo dziri muHarare dzakaita seBudiriro, Chitungwiza, nedzimwe, dziri idzo dzine vanhu vakawanda vari kurwara kana kufa ne cholera.

Nhengo dzesangano iri dzakaratidzira muHarare neSvondo, dzichinyunyuta kuhurumende neZinwa, kuti vaone zvavangaite nedambudziko iri.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVa Blessing Chebundo mumiriri weKweKwe muparamende, uye vaimbova sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvehutano, avo vanoti bato ravo re MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, riri kushushikanawo zvikuru nedambudziko rechirwere ichi.

Dzimwe Nhau kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG