Accessibility links

Breaking News

ZINWA Inovhura Mvura muGuta reHarare


Misha mizhinji yemuguta reHarare yakatanga kuwana mvura neMuvhuro manheru iyo yakange yavharwa neZINWA kubva musi weChishanu. ZINWA yakavhara mvura muguta reHarare nechikonzero chekushaya mishonga yekuchenesa mvura iyi, senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere che cholera.

Kunyange hazvo misha mizhinji yave kukwanisa kuwana mvura, zvinonzi mvura iyi iri kunzi iri kubuda mudzipombi yakasviba zvikuru.

Asi misha inogara iine dambudziko remvura mazuca mazhinji, iyo inosanganisira Mabelreign, Ruwa, Mabvuku, pamwe neGreendale, haisati yakwanisa kuwana mvura nechikonzero chekutadza kushanda zvakanaka kwepombi dzinotakura mvura.

Brenda Moyo weStudio 7 ataura nemunwe mugari wemumusha weHillside muHarare, Amai Fungisayi Sithole, kuti tinzwe mamiriro akaita zvinhu panyaya yemvura.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7....

XS
SM
MD
LG