Accessibility links

Breaking News

ZCTU: Munhu Ngaipihwe Mari Yaanoda kuBhanga


Sangano revashandi reZCTU rinoti richaenderera mberi nehurongwa hwaro hwekuti neChitatu vashandi vaende kumabhanga avo vachinotora mari dzavanoda, kwete zvekutarirwa mari dzavanokwanisa kutora pazuva.

Sangano iri rinoti kana vashandi vakatadza kutora mari dzavo kubva kumabhanga, vachatora matanho akakodzera. ZCTU inoti yakawana makomborero kubva kumasangano akaita seNCA neWOZA nemamwe.

Mutauriri weNCA, VaMadock Chivasa, vanotiwo vaendesa mberi kuratidzira kwanga kwakarongwa nesangano ravo, kuitira kupa mukana kuhurongwa hweZCTU. VaChivasa vanoti kuratidzira kweNCA kwava kuzoitwa nemusi weChina.

Pari zvino munhu ari kubvumidzwa kutora mari inoita $500 000.00 chete pazuva kubva kubhanga. Mari iyi haina chaichatenga chine musoro. RBZ yakazivisawo kuti kubva China chesvondo rino, munhu anenge obvumidzwa kutora mari inoita $100 million pasvondo.

Munyori mukuru weZCTU, VaWellington Chibebe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vashandi vachaenda kuRBZ kunotora mari dzavo kana vakanyimwa nemabhanga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG