Accessibility links

Breaking News

Mishonga yeCholera Yotanga Kupinda Munyika


Sangano reWorld Health Organization rinoti vanhu vanosvika mazana mashanu nemakumi manomwe ane vashanu, 575 vafa nechirwere che cholera kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu, kusvika musi wa 4 Zvita.

Sangano iri rinoti vanhu vanosvika zviuru gumi nezviviri nemazana manomwe, vakabatwa nechirwere ichi munguva iyi.

Ukuwo sangano reNango rinoti rubatsiro rwekupedza chirwere che cholera rwava kupinda munyika.

Mutauriri weNANGO, VaFambai Ngirande, vanoti nyika dzakaita seChina, European Commission pamwe ne United States, dziri kutumira mishonga yekubatsira vanhu vari kurwara nechirwere ichi.

Sangano reUnited States Agency for International Development, USAID, yapa mari inoita US$600 000 yekushandisa mukurwisa chirwere ichi.

Mari iyi iri pamusoro peimwe mari inoita mamiriyoni mana emadhora eku America, iyo iri kushandiswa mukuwanira vanhu mvura yakachena.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVa Ngirande kuti tinzwe zviri kuitika pamusoro pedambudziko rechirwere ichi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG