Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeMDC Inopambwa Masikati Machena muHarare


Vaimboshanda muhofisi yemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, VaGandhi Mudzingwa, vanonzi vakapambwa neMuvhuro zuva rovira nevanofungidzirwa kuti vasori. Hazvisati zvazivikanwa kuti vari kupi pari zvino.

Kupambwa kwaVaMudzingwa kunotevera kupambwa kwevashandi vaviri veZimbabwe Peace Project neMuvhuro wakare, zvichiteverawo kupambwa kwemutungamiri wesangano iri, Muzvare Jestina Mukoko, neChitatu chesvondo rapera.

Sekutaura kuri kuita Thomas Chiripasi, bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, rinoti riri kushushikana zvikuru nekupambwa kuri kuitwa nhengo dzaro. Bato iri rinoti nhengo dzaro gumi neina dzinosanganisira mwana ane makore maviiri, dzakapambwa muna Gumiguru kuBanket, uye mapurisa ari kuramba kutaura kwaakachengetera nhengo idzi.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reCentre for Research and Development, VaFarai Muguwu, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti zviri kuitika zvekupambwa kwevatsigiri vebato reMDC pamwe nevanotungamira masangano anorwira kodzero dzevanhu, zviri kuitwa nehurumende yeZanu PF senzira yekutyisidzira vanhu kuti vasasimudza musoro munyaya dzezvematongerwo enyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG