Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanonyomba VaTsvangirai, Britain, France neAmerica kuHeroes Acre


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChina vakashoropodza vatungamiri veBritain, France neAmerica pakuvigwa kwegurukota rehurumende yavo, VaElliott Manyika, kuHeroes Acre muHarare, vachiti vane chinangwa chekuda kubvisa hurumende yavo nechisimba.

VaManyika, avo vakashaya mutsaona yemotokari neMugovera, vakapihwa chiremera chegamba rakarwira rusununguko.

Sekutaura kuri kuita mutori wenhau dzeStudio7, Thomas Chiripasi, VaMugabe, sechave chigariro musoro weshuro kushaya nyanga, vanyombawo mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vachiti zvavari kuita zvekushanyira nyika dzekunze hazvina musoro.

Apo VaMugabe vange vachitaura kumarinda eHeroes Acre kuti cholera hakuchina munyika, hurumende yeSouth Africa yange ichiti nzvimbo yeVhembe iri kumuganhu weZimbabwe neSouth Africa, yave nzvimbo inofanira kugara nyika iyi yakagadzirira zvakanyanya nekuti dambudziko recholera riri kukura.

VaTsvangirai vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaMugabe munhu ari kuramba kutambira chokwadi chiri pachena chekuti chirwere che cholera chaparadza nyika, uye zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG