Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inosunga Vari Kukwidza Mitengo yeZvinhu


Bazi rinoona nezvemitengo yezvinhu reNational Incomes and Pricing Commission, rinonzi neChipiri muHarare rakasunga vemabhizimusi vari kupomerwa mhosva yekukwidza mitengo yezvinhu zvisiri pamutemo.

Nekutya kusungwa nemitemo yenyika, vamwe vanotengesa zvinhu vava kuvhara zvitoro zvavo. Hurumende, kuburikdza nebazi iri, yakazivisa vemabhizimusi kuti vaderedze mitengo yezvinhu kudzokera pamitengo yemusi wa3 Zvita. Asi vemabhizimusi vanoti havana chavanozowana kana vakaita izvi.

Mitengo yezvinhu inonzi iri kuramba ichikwira kubva pakatanga kushandiswa mari itsva huru nebhanga guru reRBZ. Vamwe vemichovha nemabhazi vanonzi vave kubhadharisa vanhu nemari yekunze.

Dhora rimwe rekuAmerica ranga richitengeswa ne$350 million, kotiwo Rand rimwe chete richiita $35 million.

Director weAffirmative Action Group kuMatabeleland, VaSam Ncube, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mhosva inofanirwa kupiwa RBZ iyo iri kuramba ichidhinda mari, kwete vemabhizimusi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG