Accessibility links

Breaking News

Vasori Vanobvuma Kuti Ndivo Vakapamba Muzvare Mukoko Nevamwe


Magweta ari kumirira Muzvare Jestina Mukoko pamwe nenhengo dzeMDC dzinodarika makumi matatu ati vesangano revasori vabvuma kuti ndivo vanga vakachengeta vanhu ava mushure mekunge vavapamba kubva kumisha yavo.

Izvi zvabuda mudare reHigh Court umo maburitswa gwaro rakanyorwa negurukota rezvemukati menyika VaDidymus Mutasa vachibvuma kuti ndivo vakanga vakachengeta vasungwa ava vasati vavapira mumaoko emapurisa.

Magweta ari kumirira vasungwa ava akanga akwira kudare repamusoro vachida kuti mapurisa adure vakavapa vasungwa ava. Asi VaMutasa vanonzi varamba kudura mazita evasori vakapamba vanhu ava, vakati vaita izvi nepamusana pemutemo wekuchengetedzwa kwemukati menyika.

Muzvare Mukoko nenhengo dzeMDC vakapambwa kubva mukupera kwaGumiguru kusvika kutanga kwemwedzi uno vakachengeterwa kwakanga kusina anoziva. Vakazoendeswa kumatare ezdimhosva uko vari kupomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende.

Rimwe remagweta ari kumirira vasungwa ava, VaAlec Muchadehama vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mutongi ati vamwe vaviri vanoti Tawanda naPascal Gonzo varegerwe, asi vachuchisi vapikisa nyaya iyi. Nyaya yaMuzvare Mukoko nevamwe ava ichapinda zvakare mudare neChishanu uye neMuvhuro svondo rinouya.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG