Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoendesa Mberi  Kuvhurwa kweZvikoro


Hurumende yazivisa kuti kuvhurwa kwezvikoro gore rino kuchanonoka nemasvondo maviri nezvikonzero sezvo vamwe varairidzi vachakabatikana nekumaka bvunzo dzeOrdinary Level neAdvanced Level.

Zvikoro zvanga zvichifanirwa kuvhurwa Chipiri chesvondo rinouya, asi zvava kutarisirwa kuvhurwa musi wa27 Ndira.

Munyori mubazi redzidzo, mitambo netsika, VaStephen Mahere, vaudza bepanhau reHerald kuti kunonoka kuvhurwa kwezvikoro uku kunopawo mukana kubazi ravo kuti riongorore chikumbiro chezvikoro chekuti mari dzedzidzo dzibhadharwe nemari yekunze.

Asi vamwe varairidzi vataura neStudio 7 vati havaoni zvikoro zvichivhurwa munguva yatarwa nehurumende iyi, sezvo vari kuda kutanga vawirirana nehurumende kuti vabadharwe mihoro yavo nemari yekunze. Sangano reZIMTA rakatozivisa kuti rinoda kuti varairidzi vatambire mari inoita US$2 293 pamwedzi, ukuwo Progressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, ichiti inoda kutangira paUS$2 500.

Munyori mukuru we PTUZ, VaRaymond Majongwe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti hurumende iri kungoita zvinhu zvayo isina kubvunzawo vamwe vane chekuita nedzidzo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG