Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare  Inoramba Kuti Yakwidza Mitero


Kanzuru yeHarare yaramba mashoko akaburitswa nebepanhau reHerald ekuti kanzuru iyi yakakwidza mitero nezvikamu zviuru gumi kubva muzana kutanga mwedzi uno. Bepanhau reHerald rinoti kukwidzwa kwemitero uku kuchaita kuti vana sadzimba vakawanda vabhadhare mari dzinosvika $650 billion pamwedzi, kubva pa$20 million yavanga vachibhadhara.

Mutevedzeri wameya weHarare, VaEmmanuel Chiroto, vanoti kanzuro yavo iri kuferefeta kuti nyaya iyi yakabuda seyi kuHerald. Vatiwo chakakwidzwa chete nekanzuru yavo mitero yedzimotokari, misika pamwe nezvigayo.

VaChiroto vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti kanzuru yavo ine hurongwa hwekutozokwidza mitero mune remangwana, sezvo pari zvino vanhu vakatarisana nematambudziko akawanda munyaya dzehupfumi.

Mutauriri weCombined Harare Residents Association, VaJustice Mavedzenge, vanoti kana mashoko ekukwidzwa kwemitero uku ari echokwadi, izvi zvichaomesera vagari sezvo mari dzavanotambira dziri pasi pasi kwazvo pane dzavanenge vonzi vabhadhare. Vashandi vazhinji vari kutambira mari dziri pakati pe$20 billion ne$30 billion pamwedzi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG