Accessibility links

Breaking News

Zinasu Yoramba Kubhadhara Mari yeDzidzo neMari yeKunze


Sangano rinomirira vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro soro munyika, reZimbabwe National Students Union, kana kuti Zinasu, rinoti vadzidzi vose vari munyika havafanirwe kubhadhara mari yedzidzo nemari yekunze, sezviri kudiwa nezvikoro zvepamusoro soro.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa chekuti vadzidzi varambe kubvisa mari dzedzidzo nemari yekunze, mutungamiri weZinasu, VaClever Bere, vati zvinorwadza kuti hurumende yava kuvasiya vari parumananzombe, sezvo vabereki vavo vachitambiriswa mari yemunyika, iyo isina chainokwanisa kutenga mazuva ano.

Sekutaura kuri kuita Irwin Chifera ari muHarare, Zinasu yakurudzirawo kuti vadzidzi vose vaende kuzvikoro pazvinovhurwa, uye kuti vabvise mari dzechikoro vachishandisa mari yemunyika. Sangano iri ratiwo raudzwa nebazi rezvedzidzo repamusoro soro kuti hapana chikoro chakapihwa mvumo yekubhadharisa vadzidzi mari yekunze.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi regurukota rinoona nezvedzidzo yepamusorosoro, Doctor Stan Mudenge, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG