Accessibility links

Breaking News

Hague Yokurudzirwa Kuferefeta Zviri Kuitika muNyaya dzeHutano


Sangano rePhyscians for Human Rights raburitsa gwaro rinoshoropodza zvikuru hurumende yaVaMugabe richiti ndiyo iri kukonzera kuparara kwezvinhu mubazi rezvehutano.

Sangano iri ratiwo dare redzimhosva muUnited Nations, reInternational Criminal Court, rinofanirwa kuferefeta zviri kuitika munyaya dzehutano, izvo zvasiya vanhu vanodarika zviuru zviviri vafa nechirwere chekorera kubva pachakatanga muna Gumiguru.

Sangano iri rinotiwo ongororo yaro yakaburitsa pachena kuti VaMugabe nebato ravo, vanofanirwa kuva vakapara mhosva nemabatiro avari kuita zvinhu munyaya dzehutano.

Vachitaura pakuparurwa kwegwaro yeongororo yakaitwa nesangano iri, iro rinonzi Health In Ruins, A Man-Made Disaster in Zimbabwe, vana chiremba vari musangano iri vati sangano reUnited Nations rinofanirwa kutungamira mune zvose zviri kuitwa nebazi rezvehutano, kuitira kuti zvinhu zvigadzirisike munyika.

Sangano iri rinotiwo United Nations Security Council inofanirwa kuzeya kufa kuri kuita vanhu muZimbabwe nepamusana pekushaya mishonga.

Sangano iri ratiwo UN Security Council neSADC dzinofanirwa kukomekedza VaMugabe kutambira zvakabuda musarudzo yemuna Kurume gore rapera, iyo mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakakunda VaMugabe.

Dr Henry Madzorere ndivo munyori wezvehutano muMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, uye vanga vari muSouth Africa paparurwa gwaro resangano re Physicians for Human Rights.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaMadzorere kuti tinzwe zvataurwa pamusangano uyu ku South Africa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG