Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Vane Chido Chekuti Hurukuro Dzibudirire


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti pava nemwedzi mina kubva chibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa chaitwa, asi hurumende yeZanu-PF iri kuvhiringa zvose zviri kuedza kuitwa kuti chibvumirano ichi chishande.

VaTsvangirai vanoti kunonoka kuri kuitwa pakuumba hurumende yemubatanidzwa, kuri kupa kuti vanhu vashupike.

VaTsvangirai vatiwo vari kurwadzikana nekupambwa kuri kuitwa vanhu, avo vanosanganisira mutungamiri weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, pamwe nenhengo dzeMDC. Vati hurumende iri kuzvidza matare ayo akati vanhu ava vabviswe muhusungwa.

VaTsvangirai vakumbira SADC kuti ione huipi huri kuitwa nehurumende yaVaMugabe. Vati bato ravo harina hurongwa hwekubvisa hurumende yaVaMugabe nechisimba, vakati zvose zviri kutaura nehurumende yeZanu-PF, manyepo chaiwo.

Vatiwo hupfumi hwenyika hwaenda kumawere, uye hurumende itsva ndiyo chete inokwanisa kugadzirisa zvinhu munyika. VaTsvangirai vatiwo vakakumbira kuita musangano nemutungamiri weSouth Africa, uye vari sachigaro weSADC, VaKgalema Motlanthe, pamwe naVaMugabe kuti vagadzirise zviri kunetsa pakati pavo.

VaTsvangirai vatiwo kana VaMugabe vachida kugadzirisa zvinhu zviri kunetsa munyika vanofanirwa kugara navo pasi. VaTsvangirai vatiwo vari kuda kuti zvose zviri kunetsa zvitange zvagadziriswa vasati vapinda muhurumende yemubatanidzwa.

Zvavati zvinoda kugadziriswa inyaya yesangano reNational Security Council rinoona nezvekuchengetedzwa kwenyika, kudomwa zvakaenzana kwemakurukota ehurumende, pamwe nekusarudzwa kwevakuru muhurumende. VaTsvangirai vatiwo masimba avo semutungamiri wehurumende, anofanira kutanga ava mutemo vasati vatora mhiko.

Vati zvakaitwa naVaMugabe zvekuvakoka kutora mhiko pasati pavandudzwa bumbiro remitemo yenyika, hazvisi mugwara. VaTsvangirai vati zvinhi izvi zvinogadziriswa chete kana vagara pasi naVaMugabe.

VaTsvangirai vatiwo vari kudzokera kumusha neMugovera kuitira kuti vanogadzirisa gakava riripo iri.

VaJoram Gumbo ndivo Chief Whip veZanu-PF mudare reHouse of Assembly. VaGumbo vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti zvaitwa naVaTsvangirai zvinokudzwa zvikuru.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG