Accessibility links

Breaking News

Ambassador McGee Vanoshanyira Varwere Vane Korera


Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador James McGee, vashanyira nzvimbo dzinorapirwa vanhu vari kurwara nechirwere chekorera muBudiriro muHarare. Ambassador McGee vatora danho iri senzira yekuti vaone maipiro akaita zvinhu munyaya dzehutano. VaMcGee vaendawo kumuzinda unochengerwa zvinhu neUNICEF, vakatenda mabasa ari kuitwa nesangano iri mukubatsira vanhu vemuZimbabwe munyaya dzehutano.

VaMcGee vatorawo mukana uyu kushora zviri kuitwa nehurumende yaVaMugabe, iyo vati inotora mari inofanirwa kubatsira vanhu vari kurwara, yoishandisa pazvinhu zvinobatsira vezve matongerwo enyika.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Slyvia Manika, VaMcGee vataurawo nevarwere vari paBudiriro Polyclinic.

Ukuwo sangano reWorld Health Organisation rinoti kusvika Chitatu vanhu vafa nechirwere chekorera vasvika paviuru zvitatu nemakumi mapfumbamwe nevashanu, kana kuti 3 095, uye vanhu vakabatwa nechirwere ichi munyika kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu, vasvika pa 58 993.

Sangano re United Nations Children's Fund (UNICEF) rinoti riri kushanda nemamamwe masangano akasiyana siyana mukuedza kuwedzera vana chiremba navanamukoti munzvimbo dzinorapirwa korera.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko muUNICEF, Muzvare Tsitsi Singizi, vanoti sangano ravo riri kushungurudzwa nemawandiro ari kuita vanhu vari kufa vasati vasvika kunzvimbo dzinorapirwa korera.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naMuzvare Singizi kuti tinzwe zviri kuitika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG