Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanodoma Makurukota Anobva kuMDC


Vari kutarisirwa kuva mutungamiri wehurumende yemubatanidzwa uye vari mutungamiriri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, neChipiri vakadoma mazita enhengo dzebato ravo dzichange dziri mudare remakurukota pamwe nevatedzeri vavo muhurumende iyi.

Vadomwa semakurukora vanosanganisira munyori mukuru webato iri, VaTendai Biti, avo vachange vachiona nezvemari, Engineer Elias Mudzuri, avo vachange vachiona nezvemhando dzemoto, Muzvare Paulina Mepariwa, avo vachange vachiona nezvemabasa nevashandi, kutiwo VaNelson Chamisa, VaHeneri Dzinotyiweyi, Dr Henry Madzorera, Amai Theresa Makone, Advocate Eric Matinenga nevamwe.

VaTsvangirai vadomawo mumiriri weNkayi muparamende uye vari kuchikwata chaVaMutambara, VaAbednico Bhebhe, segurukota rehurumende.

VaTsvangirai vanoti vari kupinda muhurumende iyi semutungamiri wehurumende ane masimba. Vatiwo hapana bato rinonzi riri kumedzwa nekuti ivo naVaMugabe, vachange vaine masimba ekutonga vose muhurumende itsva.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Thomas Chiripasi, uyo ari muHarare, VaTsvangirai vari kugadzwa neChitatu semutungamiri wehurumende ku State House. Mushure mezvo, VaTsvangirai vachanotaura neveruzhinji ku Glamis Arena.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaTsvangirai vagona zvikuru kudoma vanhu vakakodzera kuita mabasa avachange vachiita, uye kudoma VaAbednico Bhebhe vekuchikwata chaVaMutambara, zvinhu zvinoratidza hudzamu hwavo pakushanda nevamwe.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG