Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoparura Hurongwa hweMazuva Zana


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vaparura neChitatu hurongwa hwekutsvaga nzira dzekuvandudza hupfumi hwenyika.

Hurongwa uhu huchange huripo kwemazuva zana uye huchange huchiitwa nemapazi ose ehurumende ayo achange achishanda ari muzvikwata zvishanu.

Makurukota achange achitungamira hurongwa uhu anosanganisira gurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, gurukota rezvekuchengetedzwa kwenyika, VaSydney Sekeramayi, Amai Theresa Makone, pamwe negurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa.

Zimbabwe inoda mari inoita mabiriyoni masere emadhora ekuAmerica yekuvandudza hupfumi hwenyika.

Mutungamiri weAfrica Governance Monitoring and Advocacy Project, VaOzias Tungwarara, vanoti kunyange hazvo Zimbabwe yatanga hurongwa uhu, hurumende dzemubatanidzwa mu Africa, hadzina zvakanyanya zvadzinoita mukugadzirisa hupenyu hwevanhu.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaTungwarara kuti tinzwe kana pane zviri kuitwa zvakanaka nehurumende itsva iyi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG