Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vari Kufa neKorera Hodzikira


Sangano reWorld Health Organisation rinoti kusvika neChitatu vanhu vanosvika 4 283 vakafa nechirwere chekorera, uye vanhu vanosvika 98 309 vakabatwa nechirwere ichi kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu gore rapera.

Kunyange hazvo huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi hwadzikira mazuva ano, Executive Director veCommunity Working Group On Health, Va Itayi Rusike, vanoti pane zvizhinji zvinofanirwa kugatsiriswa nehurumende kuitira kuti dambudziko iri ripere.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naVaRusike kuti tinzwe mamiriro akaita zvinhu munyaya dzechirwere chekorera.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG