Accessibility links

Breaking News

SADC Yotarisirwa Kugadzirisa Nyaya Dzasarira muZimbabwe


Sangano reSADC rave kutarisirwa kugadzirisa nyaya mbiri dzasaririra kugadziriswa muhurumende dzinoti yagavhuna webhanga guru renyika, pamwe neyemuchuchusi mukuru wehurumende.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wavo, VaArthur Mutambara, vanoti vave kukwidza nyaya idzi kuSADC. Asi gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vanoti havasati vasumwa naVaMugabe nezvedanho iri.

Nyaya mbiri idzi dzaunza mutauro wakanyanya zvekuti VaGideon Gono mbune vakatonyora tsamba kumutongi gava panyaya yeZimbabwe, VaThabo Mbeki, uye vatungamiri veSADC vachiti gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vari kuda kuti vabviswe pabasa sezvo vari kuda kuvharidzira mabasa ekuburitsa mari kunze kwenyika akaitwa nekambani yemagweta inoshanda naVaBiti ye Honey and Blanckenberg.

Asi VaBiti vanoti VaGono vakaendesa kambani iyi kumatare edzimhosva, asi hapana zvati zvaturwa nematare. VaBiti vanoti mashoko aVaGono ndeekuda kuvasvibisa sezvo vari kuziva kuti havachina mazuva akawanda vari pachigaro chagavhuna webhanga guru renyika.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti vave kudzokerazve kuSADC kuti igadzirise nyaya mbiri dzasara.

Zvichakadaro sangano reAmnesty International rinoti hurumende yemubatanidzwa iri kukundikana zvachose kugadzirisa nyaya dzekodzero dzevanhu.

Sangano iri rinoti nyika dziri muAU neSADC dzinofanirwa kupindira kuona kuti izvi zvamiswa.

VaSimeon Mawanza ndivo chipanga mazano panyaya dzeZimbabwe musangano reAmnesty International. VaMawanza vaudza Studio7 kuti nyika dzekunze hadzisi kubatsira Zimbabwe nenyaya yemhirizhonga iyi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG