Accessibility links

Breaking News

Makurukota eZimbabwe Oenda Kunosangana neEuropean Union


Makurukota mana eZimbabwe asimuka neChitatu kuenda ku Brussels uko vachanopinda mumusangano wekutsvaga nzira dzekumutsiridza hukama hweZimbabwe nenyika dzemu Euopean Union.

Belgium, iyo yakatemera vamwe vakuru muZanu PF zvirango zvekufamba, yapa gurukota remitemo, Va Patrick Chinamasa, pamwe negurukota rezvekunze kwenyika, VaSimbarashe Mumbengegwi, mavhiza ekuti vakwanise kuenda kumusangano uyu.

VaChinamasa ndivo vazopedzisira kupihwa mvumo yekuti vafambe. Vasimuka munyika vachienda ku Brussels, vanosanganisirawo gurukota rezvemari, VaTendai Biti, pamwe negurukota rezvemaindasitiri, VaWelshman Ncube.

Vamwe vatori kumusangano uyu vanosanganisira Amai Priscilla Misihairabwi-Mushonga, gurukota rezvekubatana kweZimbabwe nedzimwe nyika dziri mumatunhu, gurukota rezvekurongwa kwehupfumi, VaElton Mangoma, gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, VaWalter Mzembi pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, avo vari kutarisirwa kuparura musangano uyu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio...7

XS
SM
MD
LG