Accessibility links

Breaking News

Michael Jackson (50)  Anoshaya muCalifornia


Muimbi ane mukurumbira pasi rose, Michael Jacko Jackson, akashaya neChina masikati mu Los Angeles kuCalifornia mushure mekubatwa nechirwere chemoyo.

Vana chiremba vanoti Michael Jackson akashaya apo akanga aendeswa kuchipatara chepa University of California at Los Angeles Medical Centre.

Micheal Jackson anonzi anga achirwara kwenguva yakareba, uye afa ava nemakore makumi mashanu. Mapurisa emuLA anoti achiri kuferefeta kufa kwemuimbi uyu sezvavanongoita pose panofa munhu nenzira yakadai.

Michael akaroora Lisa Marie Presley muna 1994 ndokubva varambana. Lisa Marie mwana wemuimbi ane mukurumbira pasi rose, Elvis Presley.

Michael akazoroora Debbie Rowe akaita vana vaviri naye. Michael anonzi akazoita mwana wechitatu nemudzimai asina kuburitswa pachena.

Michael akatanga kuimba achiri mudiki. Dzimwe nzimbo dzake dzakaita mukurumbira dzinosanganisira Thriller, Off The Wall, Don't Stop Till You Get Enough nedzimwe.

Michael akashanyirawo Zimbabwe muna Mbudzi 1998 akakwanisa kusangana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Chimwe chizvarwa chemuZimbabwe, VaBabongile Dewa, avo vanofarira zmumhanzi waMichael vanoti vanhu vakawanda varwadzikana zvikuru nerufu rwegamba iri.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita naVa Dewa kuti tinzwe pfungwa dzavo pakushaya kwa Michael Jackson.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG