Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe neAmerica Dzorimiranazve Kumuganhu


Hukama pakati peZimbabwe neUnited States huri kuramba huchienda kumawere mushure mekukandirana makobvu nematete pakati pemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nevakuru vehurumende yeAmerica.

Vaimbaova mumiriri weUnited States muZimbabwe VaJames McGee vakabuda munyika neSvondo vakananga kuAmerica mushure mekupedza basa ravo.

Muzinda weAmerica muZimbabwe unoti kunyangwe VaMcGee vainge vakumbira kuona mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe kuti vaonekane navo,vekubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika havana kutambira chikumbiro ichi. VaCharles A Ray ndivo vakadomwa kutora chigaro chaVaMcGee.

VaPedzisayi Ruhanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaRuhanya vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti zvakaitwa naVaMugabe zvekuramba kuona VaMcGee zvinonyadzisa.

Mune imwe nyaya mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanoti VaJohnny Carson Assistant US Secretary for African Affairs ifuza.

VaMugabe vakasangana naVaCarson kumusangano weAfrican Union kuLibya. Bepanhau reHerald rinoti VaMugabe vakati havana kufara nekuti VaCarson vanoda kuvaudza zvekuita ivo vari munhu asina kana simba raainaro.

VaGlen Mpani vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMpani vaudza mutori wenhau Ntungamili Nkomo weStudio 7 kuti VaMugabe vanotaura sechindumurwa.

XS
SM
MD
LG