Accessibility links

Breaking News

VaCharles Ray Votarisirwa Kutambirwa seMumiriri weAmerica muZimbabwe


Vakadomwa nemutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, kuti vave mumiriri weAmerica muZimbabwe, Va Charles Ray, vamiswa pamberi pekomiti yedare reseneti inoona nezvekunze kweAmerica, kana kuti senate foreign relations committee, muWashington neChipiri vachibvunzurudzwa zvavanokwanisa kuita kana vakatambirwa nedare re seneti semumiriri mutsva weAmerica mu Zimbabwe.

VaRay vati kana vakatambirwa kuiti vaite basa iri, vachaita zvose zvavanokwanisa mukusimudzira mureza weAmerica muZimbabwe, pamwe nekuona kuti zvido zvevanhu vemuAmerica zvaiswa pamberi.

Vatiwo vachashandisa mukana uyu mukubatsira Zimbabwe kuti ive nehutongi hwejechetere, kuremekedzwa kwemitemo yenyika, pamwe nekubatsira Zimbabwe munyaya dzechikafu, hutano nezvimwe zvinodiwa kuitwa.

VaRay, avo vakamboshanda semumiriri weAmerica kuCambodia kubva muna 2002 kusvika muna 2005, vari kutarisirwa kutora basa ranga richiitwa nemumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador James McGee, avo vari kusiya basa iri mwedzi unouya Nyamavhuvhu.

VaMcGee vanga vari mumiriri weAmerica muZimbabwe kubva mun Mbudzi 2007, uye vakatorawo basa ranga richiitwa naAmbassador Christopher Hill.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG