Accessibility links

Breaking News

Masangano Oronga Kunyadzisa Hurumende paReferendamu


Vanhu vanodarika zviuru zvitatu vaungana muChitungwiza neMuvhuro kuti vazonzwa pamire mamwe masangano munyaya dzekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

Masangano anoti NCA, ZCTU, ZINASU nemamwe, awirirana kuti akurudzire veruzhinji kuti varambe kutambira bumbiro idzva parefarendamu ichaitwa munyika. Izvi zvabuda pamusangano wechipiri wePeoples’ Convention uyo wanga uchitungamirirwa neNCA.

Musangano uyu wakurudzirawo mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, kuti vasarambe vachinyengetedzwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachitungamira sangano recCentre for Research and Development, VaFarai Maguwu, vanoti sangano ravo rinotsigira hurongwa hwemapoka ose ari kupikisana pamaumbirwo ebumbiro idzva remitemo yenyika.

NCA, ZCTU, ZINASU nevamwe, vari kupikisana nehurumende pamusoro pegwara rayakatora rekutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo renyika.

Asi hurumende inoti ichapa munhu wese mukana wekutaura zvavanoda kuti zvinge zviri mubumbiro iri.

Izvi ndizvo zviri kunzi ne NCA nemadzisahwira ayo, kuda kubata vanhu kumeso, sezvo vezvematongerwo enyika vari kunzi vari kuda kuita zvido zvavo sezvavakaita pachibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG