Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri Wenyika Votyisidzira Masangano Akazvimirira


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanoti Zimbabwe ingangofunga ruviri panyaya yekubvumidza kushandira munyika masangano anoshanda akazvimirira, sezvo mazhinji acho ari kupfurikidza mwero wemashandiro awo.

Vachitaura neMuvhuro vari kuUganda kumusangano weGlobal 2009 Dialogue, VaMugabe vakati masangano aya ari kushanda achizviitawo sehurumende, munyika mune hurumende yemo.

VaMugabe vakati masangano aya, ayo vanoti ari kuraramiswa nerubatsiro rwunobva kunyika dzekumadokera, awandisa zvikuru munyika uye haachatevedzeri mitemo inofanirwa kutevedzwa, izvo zvingangoita kuti hurumende ifungezve kuti vobvumidzwa kushanda vari munyika here kana kuti kwete.

Gore rapera hurumende yakamborambidza kushanda mamwe emasangano anopa rubatsiro ichivapomera mhosva yekusatevera mitemo yemashandiro avo.

Chief Executive Officer weNANGO, iyo inounganidza masangano akazvimirira oga, VaCephas Zinhumwe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mashoko aVaMugabe aya anotyisidzira vemasangano anoshanda akazvimirira oga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG