Accessibility links

Breaking News

Masoja Otyora Mitemo Achirova Vanhu


Mumwe wevashandi vekumba kwegurukota rezvemari, Va Tendai Biti, akarohwa zvakaipisisa nemusoja anochengetedza pamba pamumwe mukuru wemauto, Lt-General Philip Sibanda mu Highlands.

Mushandi uyu, uyo anove nhengo yeMDC, Va Howard Makonza, vakarohwa neMugovera vakaendeswa kuchipatara. Hazvisi kuzivikanwa kuti Va Makonza vakaroverwa chii.

Kurohwa kwaVaMakonza kunoitika mazuva mashoma mushure mekunge Va Biti vatumirwa bara mutsamba. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumauto kuitira kuti tinzwe divi ravo.

VaNelson Chamisa ndivo mutauri weMDC. VaChamisa vanoti hunhu hwemasoja aya hunoratidza maitiro eZanu PF iyo isingaremekedzi mutemo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG