Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoita Musangano naVaZuma


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vaita musangano nemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma. Musangano uyu waitirwa kumahofisi eANC muJohannesburg muSouth Africa.

Vaviri ava vanoti vazeya nyaya dziri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa. VaZuma vati vari kufadzwa nezviri kuitika kuZimbabwe, sezvo zvinhu zvakawanda zvagadziriswa. Vatiwo zvakakosha kuti zvasara zvacho zvigadziriswe nechimbi chimbi, kuitira kuti hurumende yemubatanidzwa ifambire mberi.

VaTsvangirai vatiwo vafadzwa nemhinduro yavapihwa naVaZuma

Vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti zvakakosha kuti VaZuma vagadzirise zviri kunzi naVaTsvangirai zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa, sezvo zvichigona kukanganisa mafambiro ehurumende.

Zvinonzi zviri kunetsa muhurumende zvinosanganisira nyaya yekugadzwa kwagavhuna webhanga guru renyika, muchuchisi mukuru wehurumende, nyaya dzemagavhuna, pamwe nekugadzwa kwaVaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

Imwe nyaya inonzi iri kunetsa kushungurudzwa pamwe nekusungwa kunonzi kuri kuramba kuchiitwa nhengo dzeMDC.

Asi mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti zvinhu zviri kufamba zvakanaka muhurumende yemubatanidzwa.

National Director weNCA, VaErnest Mudzengi, vanoti zviri kunzi naVaMugabe zviri kugadziriswa zvinogona kuita semvura iri mudziva, inochena pamusoro, asi pasi paine tsvina.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG