Accessibility links

Breaking News

VaMahoso Havapo paVanhu Vachava Nhengo dzeZMC


Komiti yeparamende iri kuona nezvekusarudzwa kwevanhu vachange vari vachishanda semakomishina muboka reZimbabwe Media Commission, kana kuti ZMC, yadoma maziva gumi nemaviri evanhu vachaendeswa kumutungamiri wenyika kuti agadze vanhu vapfumbamwe semakomishina.

Pavanhu gumi nevanomwe vadomwa mushure mekubvunzurudzwa, pana mutungamiri weZimbabwe Union of Journalists, VaMathew Takaona, mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Miriam Sibanda Madziwa, gweta rine mukurumbira, VaChris Mhike, pamwe naVaRino Zhuwarara.

Vamwe vakundikana kudomwa mazita avo vanosanganisira, VaTafataona Mahoso, avo vaimbove sachigaro vesangano raimbove munyika reMedia and Information Commission. VaMahoso vanozivikanwa zvikuru nekuomesera vatori venhau vasingashandire hurumende.

Komisheni yaitungamirwa naVaMahoso ndiyo yakanyima kambani yeAssociated Newspapers Group of Zimbabwe rezenisi, izvo zvakapa kuti mapepa aindindwa nekambani iyi eDaily News ne Daily News on Sunday avharwe.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro na advocacy officer veMisa-Zimbabwe, VaTabani Moyo, kuti tinzwe maonero avo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG