Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoti VaMsika Vashaya neChitatu


Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaJoseph Msika, vakashaya neChitatu muHarare kuchipatara cheWest End mushure mekurwara kwenguva yakareba.

VaMsika vanga vava nemakore makumi masere nematanhatu. Mutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weZANU PF, VaRobert Mugabe, vaudza politiburo yebato ravo kuti VaMsika vakashaya neChitatu mangwanani.

Nhepfenyuro yeZBC yataurawo mashoko ekufa kwaVaMsika. Kuburitswa pachena kwekufa kwaVaMsika kunotevera marehwarehwa akaswera ariko neChipiri, vanhu vachiti VaMsika vakange vashaya, kunyange hazvo ZANU-PF yakabuda ichiti VaMsika vakange vachiri vapenyu.

VaMugabe vanoti vakaona VaMsika neChipiri vachirwara zvokuti vaibatsirwa kufema nemishina, kana kuti vaive pa life support.

Mugore ra2005, VaMsika vakadonha vakafenda vari pamba pavo mushure mekuoma mutezo, vakaendeswa kuSouth Africa uko vakanooparetwa.

Kubva ipapo, hutano hwaVaMsika hauna kuzoita zvakanaka. VaMsika vanonzi vakamboudza VaMugabe kuti vaida kuenda pamudyandigere, asi zvinonzi VaMugabe vakanyengetedza VaMsika vachivaudza kuti vaifanirwa kuramba vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika.

VaMsika vakaramba kukwikwidza musarudzo dzemuna 2005, vachiti kumirira nzvimbo imwe chete zvaipikisa chinangwa chavo chekuti vaive mukuru anomirira munhu wese munyika.

Izvi zvakaita kuti VaMugabe vadome VaMsika senhengo yeparamende isina nzvimbo yainomirira.

VaMsika vakasarudzwa kuva mutevedzeri waVaMugabe muna Zvita 1999, zvichitevera kushaya kwaVaJoshua Nkomo muna Chikunguru 1999.

VaMsika vakaberekwa musi was 6 Zvita 1923 kuChiweshe, Mashonaland Central. Vakatanga kuita zvematongerwo enyika kuma 1950 vari mumasangano evashandi.

Vakasungwa vakagara mumajeri akaita seKhami, Selukwe neGonakudzingwa. VaMsika vakange varipowo pavatungamiri vakaenda kunoita chibvumirano cheLancester House vachimirira bato reZAPU, iro rakazobatana neZANU-PF muna 1987.

Mutungamiri weZAPU yakamutsiridzwa, VaDumiso Dabengwa, vanoti VaMsika vakashanda zvakasimba kuti vechidiki vaende kuhondo uye mufi aive munhu ainge asingarume achifuridzira.

VaMsika munhu wekutanga muZANU-PF kupikisa pfungwa dzeZANU-PF dzekuti ndiyo yakatanga hondo yeChimurenga.

VaMsika vanozivikanwa zvikuru nekutaura chokwadi panyaya yevanhu vakapondwa nehurumende kuMatabeleland pamwe nekuMidlands.

Mumiriri weMazowe Central muparamende vari vebato reMDC, VaShepherd Mushonga, vanoti vaigarisana zvakanaka chose muChiweshe naVaMsika, vasingashandisi simba ravo kana chidanho chavo munyaya dzezvematongerwo enyika.

VaEphraim Masawi ndivo mutevedzeri wemunyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko mu ZANU-PF. VaMasawi vanoti VaMsika munhu anga achiita basa rake nemoyo wese, uye bato ravo rarasikirwa negamba guru.

Mumiriri weMazowe Central muparamende vari vebato reMDC, VaShepherd Mushonga, vanoti vaigarisana zvakanaka chose muChiweshe naVaMsika, vasingashandisi simba ravo kana chidanho chavo munyaya dzezvematongerwo enyika.

Vanhu vakawanda vari kufungidzira kuti VaMsika vakashaya neChipiri, kunyange hazvo VaMugabe vati vakashaya neChitatu.

Professor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe. Professor Makumbe vanoti rufu urwu rwuchakonzera zinyekenyeke muZANU-PF.

VaMsika vasiya mudzimai, Maria, nevana vatatu. Vari kutarisirwa kuvingwa neMuvhuro


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG