Accessibility links

Breaking News

VaMsika Vanoradzikwa paNational Heroes Acre muHarare


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti hurumende yeBritain pamwe neAmerica dziri kuedza nepadzinogona napo kuti munyika musave nekuwirirana, uye kuti musave nerunyararo.

VaMugabe vati nyika dzekumavirira dziri kuratidza kuti hadzisi kuda kuona hurumende yemubatanidzwa ichibudirira, sezvo dziri kuramba kubatsira hurumende iyi. Vatiwo kubudirira kweZimbabwe kunoitika chete kana vanhu vemuZimbabwe vakazvipira kushanda pamwe chete kwete kumirira kupihwa rubatsiro.

VaMugabe vataura mashoko aya kuHeroes Acre pakuvigwa kwemutevedzeri wavo, VaJoseph Msika, avo vakashaya neChitatu. Sangano renhau re Associated Press rinoti VaMsika vava munhu wechimakumi masere nemumwe kuvigwa pamarinda epa Heroes Acre.

Vamwe vanga vari pakuvigwa kwaVaMsika vanosanganisira mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nevatevedzeri vavo vaviri, VaArthur Mutambara uye Muzvare Thokozane Khupe, pamwe nevamiriri vedzimwe nyika.

VaMsika vasiya mudzimai, Maria, vana vatatu pamwe nevazukuru, uye vange vave nemakore makumi masere nematanhatu ekuberekwa.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti yave garo ziva musoro weshuro kushaya nyanga kuti VaMugabe vanotora mukana wekutuka vavanoti vavengi vavo parufu.

Asi nyanzvi idzi dzinoti kuita uku kurasa tsika yechivanhu, iyo inoti parufu hapataurwi mashoko akaipa ekunyomba vamwe. VaMugabe vatuka zvakare nyika dzekumawirira idzo vati dziri kubvongodza muto wehurumende yemubatanidzwa.

Professor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe.

VaMakumbe vaudza Jonga kandemiiri weStudio7 kuti mashoko aVaMugabe aya ndeekungotaurawo zvavo sezvo Zimbabwe iri kuda idzo nyika dzekumawirira dzavari kutuka kuti isimuke kubva mumadhaka mairi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG