Accessibility links

Breaking News

United Nations Inowanira Zimbabwe US$315 yeKutenga Chikafu


Hofisi inoona nezverubatsiro musangano reUnited Nations, inoti Zimbabwe yawanirwa mari inosvika US$315 million chete, kubva pamri inoita US$700 iri kudiwa mukubatsira Zimbabwe nechikafu.

Ukuwo ongororo yakaitwa nemapazi eUnited Nations anoona nezvechikafu inoti nyika iri kutarisirwa kuwana 1,4 million tonnes echikafu, kubva pamatani mamiriyoni maviri anodiwa kuitira kuti chikafu chikwanire nyika.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro nemutauriri weNango, VaFambai Ngirande, kuti tinzwe maonero avo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG