Accessibility links

Breaking News

Mauto Anosaruta VaTsvangirai keKutanga


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChipiri vakashora nyika dzakabudirira zvakare, idzo vati dziri kuda kuvhiringa runyararo rwakaunzwa uye huri kuchengetedzwa nemauto eZimbabwe Defence Forces, kana kuti ZDF.

Vamwe vakuru vemauto, Lt. General Philip Sibanda, pamwe na Air Marshall Perence Shiri, varatidzawo ruremekedzo rwavo kumutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, apo vava saruta kuGwanzura Stadium. VaSibanda naVaShiri vaenda vakakwazisa VaTsvangirai vachibva vavasaruta. Vaviri ava vaita zvimwe chetezvo kumutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru.

Asi vaona zvichiitika vanoti mukuru wemauto, VaConstantine Chiwenga, havana kusaruta VaTsvangirai pavasvika naVaMugabe panzvimbo yanga yakagara vakuru vakuru. Zvinonzi VaMugabe vakwazisa VaTsvangirai nevamwe vavo vasati vaende kunogara panzvimbo yavo. VaChiwengwa vanonzi vakwazisawo VaTsvangirai, asi havana kuvasaruta.

Vakuru mumauto nemuhurumende vanoti nyaya yekuti vamwe vakuru vakuru vemauto vanofanirwa kusaruta mutungamiri wehurumende, yakazeyiwa mumusangano weNational Security Council wekutanga masvondo maviri apfuura. Vakuru vanopinda mumusangano uyu vanosanganisira mukuru wemauto, Va Constantine Chiwenga, mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, mukuru wekuchengetedzwa kwemajeri, VaParadzai Zimondi, gurukota rezvekuchengetwa kwenyika, Va Emmerson Mnangagwa, makurukota maviri ezvemukati menyika, VaKembo Mohadi naVaGiles Mutsekwa, nevamwe.

VaTsvangirai ndivo sachigaro weNational Security Council, iyo yakaumbwa zvichitevera kuvandudzwa kweConstitutional Amendment Bill Number 19.

Vakuru vakuru vemauto pamwe nekuchengetedzwa kwemukati menyika vanonzi vakabvuma mumusangano uyu kuti vaifanirwa kusaruta vakuru venyika nehurumende, kunyange hazvo VaMnangagwa, vainge vaudza dare reparamende kuti vakuru vemauto havasungirwe kusaruta mutungamiri wehurumende, kunze kwemutungamiri wenyika chete.

Retired Major Kudzai Mbudzi vaimbova muuto weZimbabwe National Army. Retired Major Mbudzi vanoti mauto anotadza kusaruta VaTsvangirai, anenge achirasika mugwara rechiuto, uye kunenge kuri kuzvidza vakuru vari muhurumende.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG