Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Mauto Ngaavandudzwe Maitiro Awo


Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti panofanirwa kuitwa shanduko yakasimba mumauto nemapurisa, kuitira kuti vasaita zvematongerwo enyika uye kurerekera kumapato ezvematongerwo enyika, asi kuti vamirire nyika.

Mugwaro rakaburitswa nebato iri mukupera kwesvondo, MDC inoti panofanirwa kuumbwa komiti inoona nezvekupinzwa kana kusimudzirwa kwevanhu mumabasa aya, inoumbwa nevanhu vasina kwavakarerekera kuitira kuti kuve nehunyanzvi.

Bato iri raimbogunun’unawo zvikuru nekuramba kwevakuru vemauto nemapurisa kusaruta VaTsvangirai, avo vanonzi vazosarutwa neChipiri nevamwe vakuru vemauto.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti hazvisi izvo chete zvavari kutarisira kubva kumauto, uye mauto anofanirwawo kugara zvakanaka.


Dzimwe Nhua Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG