Accessibility links

Breaking News

Portsmouth Inotenga Onismor Bhasera


Mutambi wechikwata chemaWarriors, Onismor Bhasera, anyorerana chibvumirano chemakore matatu achitambira chikwata che Portsmouth chemuBritain. Portsmouth iri mu English Premier League. Onismor akambonyinwa mvumo yekutamba nhabvu muBritain, asi sachigaro ve Portsmouth, Va Peter Storrie, vakaisa chikumbiro chitsva, icho chazotambirwa.

Mumwe mutambi wenhabvu anobva muZimbabwe, Benjani Mwaruwaru, akambotambira chikwata ichi, asati aenda kunotambira Manchester City.

Vaimbove murairidzi wechikwata chemaWarriors, VaCharles Mhlauri, vanoti vanofara zvikuru kuti Onsimor awana mukana wekutambira Pompey.

VaMhlauri vanoti Zifa inofanirwa kuita hurongwa hwekuunza zvikwata zvepamusoro munhabvu munyika kuti zvinge zvichitamba nechikwata chema Warriors. VaMhlauri vanoti izvi zvinoita kuti mutambo wenhabvu usimudzirwe munyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG