Accessibility links

Breaking News

Hurumende yeMubatanidzwa Inosvitsa Mwedzi Mitanhatu


Hurumende yemubatanidzwa yakwanisa mwedzi mitanhatu kubva payakaumbwa, asi veruzhinji vanoti hapana zvikuru zvakanyanya kushanduka, zvingaratidza kuti pava neimwe hurumende pane yakanga iripo.

Zvinonziwo zvimwe zvingangoratidza kuti pava nehurumende itsva, mafambisirwo enyaya dzeupfumi, kuwanikwa zvakare kwechikafu muzvitoro, nekukwanisawo kufambidzana kwevanhu mune dzimwe nzvimbo, mushure memhirizhonga yakaitika gore rapera.

Zvizhinji zviri muchibvumirano chekuumba hurumende yemubatanidzwa, cheGlobal Political Agreement, zvinonzi hazvisi kutevedzwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe. Bato reMDC riri kunyunyutawo kuti VaMugabe nebato ravo reZanu PF, vari kuramba vachingotyora chibvumirano ichi.

Mhirizhonga inonzi ichiri kuitika mune dzimwe nzvimbo mumatunhu akasiyana siyana.

Mukuongorora mwedzi mitanhatu yafambwa nehurumende iyi, Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachitungamira sangano reCentre for Research and Development, VaFarai Maguwu, pamwe naNational Director weZimrights, VaOkay Machisa.

Vaviri ava vanoti pamwedzi mitanhatu yararama hurumende iyi, asi hapana zvikuru zvashanduka.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG