Accessibility links

Breaking News

Monomotapa Inopa Imwe Mari  kuVatambi Vayo


Monomotapa inoti iri kutaurirana nevamwe vatambi vechikwata chayo vari kuramwa kutambira chikwata ichi, kuitira kuti pave nekunzwisisana muchikwata ichi.

Monomotapa inoti yazopa imwe yemari iri kudiwa nevatambi, avo vari kuramwa kutambira chikwata ichi kudzamara vapihwa mari dzekubatsirikana pamwe nedzemabhonasi.

Munyori mukuru wechikwata ichi, VaDavid Makombe, vanoti kutaurirana nevatambi kuri kuenderera mberi.

Mumwe wevatambi vana vakambomiswa basa, Godfrey Mangove, anoti vatambi vapihwa dzimwe dzemari dzavari kuda, uye havasi kuzotambira chikwata ichi kudzamara zvavari kuda zvagadziriswa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG