Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoudza Varairidzi Kuti Haina Mari.


Hurumende inonzi yawirirana nemasangano evarairidzi anoti reProgressive Teachers Union Zimbabwe, PTUZ, pamwe ne Teachers Union of Zimbabwe, kuti varairidzi vasaramwa mabasa mangwana pamusangano waitirwa muHarare neChipiri.

Izvi zvasiya sangano reZimta rakamira rega panyaya yekuramwa mabasa, uye sangano iri harina kupinda mumusangano weChipiri.

Hurumende inonzi yakwanisa kugutsa PTUZ neTUZ, kuti haina mari yekuwedzera mihoro yevarairidzi, izvo zvapa kuti masangano aya ashingirire mukuita basa achitarisira kuti hurumende ichagadzirisa zviri kunetsa.

Gurukota rezvemari VaTendai Biti pamwe negurukota rezvedzidzo, VaDavid Coltart, ndivo vange vari mumusangano weChipiri.

VaBiti vanonzi vabudira pachena varairidzi ava kuti hurumende haina mari, uye vatiwo masangano anobatsira haasi kuda kuvapa mari yekuti vatambirise varairidzi.

Vashandi vehurumende vanonzi vari kuda kuti vatambiriswe mari dzinobvira pa US$402.00 uye US$100.00 yekubatsirikana.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti sangano ravo riri kukurudzira varairidzi vose kuti vaende kubasa neChitatu panovhurwa zvikoro.

Asi munyori mukuru weZimta, VaRichard Gundani, vanoti nhengo dzavo dzichaenderera mberi nekuramwa mabasa sezvavakaronga kudzamara hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG