Accessibility links

Breaking News

Zanu PF neMDC Zvokandirana Makobvu neMatete


Kukandirana makobvu nematete pakati peMDC neZANU-PF kuri kuendera mberi apo nyaya yeZimbabwe iri kutarisirwa kukandwa mudariro kumusangano weSADC uri kuitirwa muguta guru reDemocratic Republic of Congo, reKinshasa svondo rinouya.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari mushishi kutaura nevamwe vakuru veSADC kuti nyaya yeZimbabwe isapihwe chiremerera vachiti zvinhu zviri kufamba zvakanaka. Asi MDC yakatumira kuSADC mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJameson Timba, kuti vaudze sangano iri kuti munyika hamuna kumira zvakanaka.

MDC inoda kuti SADC iomesere VaMugabe nekuti vari kuramba vachityora chibvumirano che GPA.

Asi mutauriri weZANU-PF, Doctor Nanathan Shamuyarira, vaudza bepanhau reHerald kuti mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, ndivo vasiri kuremekedza SADC neAfrican Union nemashoko avo ekuti havasi kufara nemashandiro ehurumende yemubatanidzwa.

VaShamuyarira vanoti MDC haisi kutaurawo zvakanyanya nezvezvirango izvo vose vakabvumirana kuti zvinofanirwa kubviswa.

VaChris Mutsvangwa vari mukomiti yezvekuburitswa kwemashoko muZANU PF. VaMutsvangwa vanoto VaTsvangirai munhu ari kungotaurawo kuitira kuti veSADC vavanzwewo.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC. VaChamisa vanoti mashoko eZANU PF haana maturo ose, uye ruzhinji rwevanhu ruri kuziva munhu ari kutyora chibvumirano che GPA.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG