Accessibility links

Breaking News

VaChinamas naVaMoyo Vopesana paNyaya yeSADC Tribunal


Gurukota remitemo, Va Patrick Chinamasa, vanonzi vakaudza SADC Tribunal kuti Zimbabwe haisisiri nhengo yesangano iri.

Izvi zvinoitika mushure mekunge dare reSADC Tribunal rapa mutongo wekuti hurumende inofanira kubhadhara varimi vechichena vakatorerwa minda yavo nechisimba nehurumende.

Mumutongo wayo muna Gumiguru gore rapera, SADC Tribunal yakati hurongwa hwehurumende yaVa Mugabe hwekutora minda yevachena, hwayiitwa nerusarura ganda mukati, zvinova zvisiri pamutemo. Zimbabwe haina kutambira kana kutevedza mutongo uyu.

Nyaya yegakava riripo pakati peZimbabwe neSADC Tribunal, iri kutarisirwa kutaurwa nezvayo kumusangano weSADC svondo rinouya mu Kinshasa kuDemocratic Republic of Congo.

Asi vamwe muhurumende vanoti VaChinamasa havana kupihwa mvumo nedare remakurukota kuti vanyore tsamba yekuzivisa kuti Zimbabwe haichisiri nhengo yeSADC Tribunal.

Gurukota remuhofisi yemutungamiri wehurumende, Va Gorden Moyo, vanotiwo havafungi kuti ichokwadi kuti Zimbabwe yabuda mu SADC Tribunal, nekuti nyaya iyi haina kutaurwa nezvayo mumusangano wemakurukota.

VaFarai Maguwu inyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vari Executive Director ve Centre for Research and Development. VaMaguwu vanoti VaChinamasa vari kuramba vachiita mafungiro eZanu PF, ekuzvidza mitongo inenge yatarwa nematare. VaMaguwu vanoti Zanu PF inofanirwa kuomeserwa kana ichiita zvinhu zvinotyora mitemo yeSADC.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG