Accessibility links

Breaking News

SADC Yotarisirwa Kuomesera VaMugabe Rwendo Rwuno


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, uye mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vari kutarisirwa kusimuka munyika nesvondo vakananga kuDRC kumusangano weSADC uri kuitirwa muKinshasa.

Musangano uyu uchazeya nyaya yeZimbabwe. Vakuru muhurumende yeSouth Africa neBotswana vaudza Studio7 kuti vanoda kuti VaMugabe vazadzise zviri muchibvumirano cheGPA, uye kuti matambudziko ari munyika, apere.

Mutevedzeri wemunyori mukuru weANC, Amai Thandi Modise, vanoti nyaya yeZimbabwe inofanirwa kupedzwa nekukasika nekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi, zvave kuvakanganisa magariro avo.

Vakuru veSADC vanoti havasi kufarawo nenyaya yekuti gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vakaudza SADC kuti Zimbabwe yabuda mudare reSADC Tribunal, nokudaro haisungirwe kutevedza mitongo inenge yapihwa nedare iri.

Asi gurukota rinoshanda muhofisi yemutungamiri wehurumende, VaGorden Moyo, vanoti nyaya yekuti Zimbabwe yabuda muSADC Tribunal, haina kutaurwa pamusangano wedare remakurukota, nokudaro havatambire zvinonzi zvakaitwa naVaChinamasa.

Nyaya iyi inonzi yavhundutsa vakuru vakawanda muSADC, uye ichange ichikurukurwa nezvayo sezvo nyika dzakawanda dziri kugunun’una zvakanyanya nemaitiro aVaMugabe. VaMugabe vari kuramba kutoresa mhiko magavhuna eMDC kunyange hazvo vakabvumirana kuita izvi nevamwe vavo.

Dzimwe nyaya dziri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa dzinosanganisira kusatoreswa mhiko naVaMugabe kwaVaRoy Bennet kuti vave mutevedzeri wegurukota rezvekurima, kusagadzirisa nyaya yagavhuna webhanga guru renyika, pamwe nemuchuchisi mukuru wehurumende.

SADC yakati ichange ichiongorora mashandiro ehurumende yemubatanidzwa kuitira kuti ione kana chibvumirano cheGPA chiri kutevedzwa nemapato soe ari muhurumende. Gurukota muhofisi yaVaMugabe, VaDidymus Mutasa, vanoti SADC inofanira kutaura chete nyaya yezvirango pamusangano weMuvhuro neChipiri.

Asi Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti bato reZANU-PF ndiro riri kutyora chibvumirano, uye SADC inofanirwa kuomesera VaMugabe nokuti vari kushora zvakaitwa neSADC.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG