Accessibility links

Breaking News

Matinenga: Hurongwa hweBumbiro Idzva reMitemo Huri Mugwara


Gurukota rinoona nezvemashandiro eparamende pamwe nezvebumbiro remitemo yenyika, Va Eric Matinenga, vanoti chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, chiri kufambira mberi nemazvo, kunyange hazvo kungangove nevamwe vanhu vari kudhonzera shure basa riri kuitwa.


VaMatinenga vataura mashoko aya zvichitevera mashoko akabuda mukupera kwesvondo, ekuti nhengo dzekomiti yeparamende iri kutungamira mukunyorwa kwebumbiro idzva remitemo, kana kuti parliamentary select committee, hadzisi kuita basa sezvo dziri kuti hapana mari.

Asi VaMatinenga vanoti hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo huri kufambira mberi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG