Accessibility links

Breaking News

SADC Troika Yotarisirwa Kuzeya Nyaya yeZimbabwe


Musangano wevatungamiri venyika gumi neshanu dzemuSADC wechimakumi maviri nepfumbamwe, wakapera neChipiri muKinshasa, kuDemocratic Republic of Congo. Mutungamiri weDRC, VaJoseph Kabila, ndivo vava sachigaro mutsva weSADC.

Nyaya yeZimbabwe yakabviswa panyaya dzaifanirwa kurukurwa neSADC. NeMuvhuro, makurukota enyika dzemu SADC akabuda nechisungo chekuti SADC ichazeya nyaya dzine chekuita nezvirango zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzakabudirira, uye nyaya yekuti nyika dzemuSADC dzibatsire Zimbabwe kumutsiridza hupfumi hwayo.

Hapana kunyatsojeka kana zvisungo zvemakurukota enyika dzemuSADC, zvakazozeiwa pamusangano wemazuva maviri wakapindwa nevatungamiri venyika dzemuSADC.

Asi mashoko atiri kutambira anoti SADC Troika inonzi ndiyo ichabata nyaya yeZimbabwe, uye kuona kuti pangaitwe here musangano wechimbichimbi kana kuti Extraordinary Summit. Nyika dziri mu troika iyi iMozambique, South Africa neAngola.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vaudzawo vatori venhau muKinshasa neChipiri kuti vane chivimbo chekuti SADC Troika iyi ichashanda nechimbichimbi kugadzirisa matambudziko ari muhurumende yemubatanidzwa.

VeMDC vachiri kuenderera mberi nekuti paitwe musangano wechimbichimbi, ukuwo ZANU-PF iri kupembera ichiti muZimbabwe hamuna matambudziko.

VaMsekiwa Makwanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMakwanya vanoti SADC inofanira kugadzirisa nyaya iyi nechimbichimbi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG