Accessibility links

Breaking News

Mutambi Wenhabvu Evans Gwekwerere Odzoka KuDynamos


Vatambi venhabvu vechikwata cheDyanamos vanoti vari kufadzwa nekudzoka kwemutambi Evans Gwekwerere uyo ainge ombotambira Jomo Cosmos yekuSouth Africa.

Mutambi weDynamos Benjamin Marere anoti kudzoka kwaGwekwerere kungangobatsira kutsiva vamwe vatambi vechikwata ichi vakakuvara.

Hazvisati zvazivikanwa kuti Gwekwerere achatamba here neChitatu pamutambo weDynamos neMonomotapa kunhandare yeRufaro.

Mutambi Marere audza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio 7 avakagadzirira kushanda pamwe zvakanaka naGwekwerere.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio7...

XS
SM
MD
LG